Public Affairs Section
United States Embassy Harare
Transcript: Ambassador Brian A. Nichols Facebook Live Interview with Tell Zim News Masvingo
China Gumiguru 23; 8.09 am
Theresa Takafuma (Theresa): Mangwanani akanaka kwamuri mose. Tinokugashirai paTell Zim Live Talk. Ini, Theresa Takafuma, mupepeti weTech and Innovations kuTell Zim News, ndiri pano ndakagara naVaBrian Nichols, vanova mumiririri mukuru weUnited States of America muZimbabwe. Tichakurukura nyaya dzakawanda-wanda, kunyanya matanho ari kutorwa neUnited States panyaya dzechengetedzo munyika medu. Vanoremekedzwa, tinokugashirai.
Ambassador Brian A. Nichols (Amb. Nichols): Tinotenda, mangwanani. Ndinofara chose kuva nemi pano.
Theresa: Tinotenda. Kano kava kechipiri muchishanya kudunhu rino. Pamakatanga kuuya makanga mauya kuzosvitsa zviri pamutemo, mari inopfuura madhora US$475,000 yekushandiswa pakugadzirisa nzvimbo dziri kukoromoka paMasvingo eZimbabwe (Great Zimbabwe National Monuments.) Tingati here dunhu rino rigere pamoyo wenyu?
Amb. Nichols: Ino inzvimbo yakanaka kwazvo munyika muno. Ndinofaravo chose kuva muno muMasvingo zvakare kuti ndikwanise kuonavo rimwe divi redunhu gurusa pamatunhu emuZimbabwe uye kuti ndidzidzevo zvimwe zvakawanda pamusoro pebasa rinofadza ratiri kuita kuno kuti titapudze dambudziko rekuvhima zvisiri pamutemo uyevo kutapudza kubiwa kwemhuka dzesango dzichifambiswa kuenda kune dzimwe nzvimbo.
Theresa: Saka parizvino tingati chii chakuunzai kudunhu rino?
Amb. Nichols: Ndaitarisa nenyaya dzezvekubiwa nekufambiswa kwemhuka dzesango, nyaya dzechengetedzo, uyevo nyaya dzezvakatipoteredza mudivi rino, takatarisa nyika yeZimbabwe. Idunhu rine mhuka dzesango dzakasiyana-siyana dzakawanda zvinotoshamisa uyevo yakanangwa nematambudziko akawanda. Asi nyaya iyi yakanaka chose kunyika yeZimbabwe. Zimbabwe iri kukudza huwandu hwenzou dzayo, iri kukudza huwandu hwezvipembere zvayo. Inotungamira muAfrica panyaya dzekuchengetedza mhuka dzesango. Naizvozvo tinofara chose kubatana nemamwe mapoka akasiyana muZimbabwe panyaya iyi, uye tichitora matanho akakosha ekunatsurudza mamirire akaita zvinhu, uye kubatsira nharaunda dziri pedyo nenzvimbo dzinogara mhuka dzesango kuti pasave nekusawirirana pakati pevanhu nemhuka idzi; uyevo kuti pave nemabasa akanaka nemihoro yakanaka kuvashandi.
Theresa: Zvakanaka. Saka, takatarisa nezvechengetedzo yezvakatipoterera, mungati chii pamusoro perutsigiro rweUnited States kuZimbabwe, kunyanya-nyanya mubazi iri rezvechengetedzo?
Amb. Nichols: Tine chirongwa chegutsigira kuchengetedwa kwemhuka nekuongorora kuchengetedzwa kwemitemo inorambidza kubiwa kwemhuka (Supporting Communities and Law Enforcement Against Poaching) chinova chirongwa chatakapa US$4 million chinonangana nekusimbisa kukwanisa kwevashandi vemunochengeterwa mhuka (park rangers) kuti vakwanise kuita basa ravo; kuvaka sungano pakati pema poka akasiyana siyana anoita nezvechengetedzo mudunhu iri. Saka Malilangwe, Gonarezhou, Save Valley, Bubi Valley- dzose idzi inzvimbo dzatiri kupa nzira dzekutaurirana nekudyidzana, tiri pamwechetevo nemamwe mapato akakosha evanobatsira (donors) Asi ndinofunga kuti tisu tiri kukurudzira vamwe vose.
Theresa: Pane zvakambonyunyutwa nehurumende yeZimbabwe maererano nekudziviswa kwemitambo yekuvhima (trophy hunting) neCITES uye nemamwe masungano epasirose. Mungati vavariro yedziviso iyi ndeyei?
Amb. Nichols: United States hairambidzi mitambo yakanangana nekuvhima (trophy hunting.) Mitemo yemitambo yekuvhima ino ongororwa nemitemo yenyika inoitirwa mitambo yacho yekuvhima. United States ine mapato mazhinji akasiyana ezvekuvhima. Vanhu vanouya kuno, chatinongokumbira kwavari kuti vaongorore nekuchengetedza mitemo yeZimbabwe. Tinovimba kuti Zimbabwe yacho ichapavo vavhimi vanouya nguva nemukana yekuvhima zvinonakidza uye zvine unyanzvi nekuva nemitemo inonzwisisika uyevo yakarurama. Ndinoziva kuti vamwe pakati penyanzvi dzevabetseri vekuvhima (guides) vari kuungana vachiumba mubatanidzwa, ndinovimba izvi zvichabatsira pakuteverera nekujekesa nzira yekupa tendero yekuvhima. Vavhimi vanobva kuUnited States vanodzokera nemikombe (trophies) yavo kuUnited States asi kuti isu tizoziva kuti mikombe iyi inenge yakawanikwa zviri pamitemo here kana kuti kwete, chinhu chatinototarisiravo kuziviswa nevemitemo kunyika kwakavhimwa.
Theresa: Tichitaura nezverutsigiro rweUnited States pakuchengetedzeka kwezvakatipoteredza, munoona chiri chinhu chakakosha zvakadii kuUnited States muno muZimbabwe?
Amb. Nichols: Chinhu chakakosha zvikuri kuUnited States, chigovazve chinhu chikuru chaizvo kwandiri ini pachezvangu. Iyi inyaya yandakashanda nayo munyika dzakawanda pamabasa akasiyana-siyana andakashanda uye ndinofunga kuti kuchengetedza nekudzivirira kubiwa nekufambiswa kwemhuka, inyaya inotofambiswa nemubatanidzwa wematsotsi emunyika zhinji inotova nemabillions emaUS$ chaiwo. Saka vanhu vemuno muZimbabwe kana kuti vekune dzimwe nyika dzakatipoterera vanowanikwa vachiita zvekuvhima zvisiri pamutemo, kazhinji vanenge vachitoshandira boka rematsotsi rine midzi dzinoenda kumapazi akawanda pasirose. Kazhinji vari kuno vanowana twumari twushoma-shoma kubva pane zvavanovhima zvacho asi kana zvinhu zvacho zvazosvika mhiri kwamakungwa, panobuda zviuru zvemamillion akatsikirirana emadhora. Zvatiri kuita zvinobatsira kudzidzisa vanoona nezvekuchengetwa kwemhuka(park rangers), mapurisa, vachuchisi, nevatongi kuti vaferefete nokusunga avo vanoba nekufambisa mhuka dzesango kuenda kune dzimwe nzvimbo zvisiri pamitemo. Tiri kushanda pamwe chete nedzinharaunda tichidzipa raramo imwevo nekuona kuti vagari vemunharaunda idzi vanowanavo pundutso kubva pazvinhu zvinobva munharaunda dzacho uye zvinowanikwa kubva kune vanoshanyira nzvimbo idzi. Ndinofunga kuti chinhu chinorwadza chaizvo kuti kazhinji vagari vemunharaunda idzi havakwanisi kuwana chouviri pazvinhu zvinobva munzvimbo dzavo. Izvi ndizvo zvinoita kuti nyaya yekushanya kwevanhu kunoenderera mberi kunobatsira vagari venzvimbo dzinoshanyirwa dzacho ive iri pahwendefa dzemoyo yedu. Tichiongorora zvakanakira kushanya kunoraramisa vanhu vemunzvimbo nhasi nemangwana (sustainable tourism) ichikwikwidza nekushanya kunongobatsira panguva iyoyo (consumptive tourism), ndinofunga kuti pasirose kana tikatarisa kukosha kwezvekushanya, tinoona kuti zvinonyanyobatsira kana kuri kushanya kunoraramisa vanhu nhasi nemangwana (sustainable tourism).
Theresa: Zvakanaka Ambassador, semuvhunzo wakanangana nezvamataura, pane mibvunzo yakawanda yakabvunzwa mushure mekunge umwe chiremba wekuAmerica auraya shumba iya yainzi Cecil. Uye sekuziva kwangu pane mutemo unonzi “Cecil Act” uyo uri kukurukurwa mudare re US Congress parizvino. Chii chingatarisirwa nenyika dzakaita seZimbabwe kana mutemo uyu uchinge wabudirira?
Amb. Nichols: Handizivi hangu kuti mutemo uyu uchabudirira here. Uchiri pakati pegakava uye wakatogarirwa pasi zvinodarika kamwe neCongress. Asi ndinofunga kuti nyaya chaiyo iri pakutsoropodza zvakadzama kuti ndezvipi zvine pundutso yeraramo yakanaka zvinowanikwa muchengetedza kwezvekushanya kuti vanhu vawane zvekudya nhasi (consumptive tourism) kuchikwikwidzana nekuchengetedza zviwanikwa zvinoraramisa nhasi nemangwana (sustainable tourism). Cecil Act inotaura nezvekudziviswa kunobatanidza mhuka dzemarudzi akasiyana-siyana ari muEndangered Species Act uye kuti chero rudzi rwemhuka dzacho dakatarisana nedambudziko rekuda kukuva panyika (endangered species) kana kuti chero dzimwe dzemarudzi akanyorwa pasi dzichatenderwa here kupinzwa muUnited States semikombe. Inyaya ichiri gakava. Chinangwa chedu kuno ndechekukurudzira zvinobatsira nharaunda nekuzviriritira kwadzo. Kana nharaunda ichinzwa kuti mhuka dzakaikoshera kana dziri mhenyu dziri munharaunda iyoyo, dzichikwezva vashanyi pachinhambo chekuti dzipfurwe semikombe, ndizvo zvinogona kuzobatsira nharaunda yacho kuti ichengetedze mhuka idzi nekuona kuti vashanyi vakwanise kuwana mukana wekuona nekunakidzwa nemhuka idzi. Tiri panyaya yaCecil, Cecil yaitova shumba yaichengetedzwa nekudzidzwa neveVictoria Falls Willdlife Trust, rinova boka ratinobatsira, uye zvechokwadi muUnited States tinoda kuti titendeseke kuti vanhu veZimbabwe vawane zvibatsiriso zvavanoda kuti vaite zvechengetedzo.
Theresa: Mumwe mubvunzo Vanoremekedzwa, pane vanhu vanozivikanwa zvikuru vemuAmerica vanoshanyira nzvimbo yeGonarezhou National Park. Mungati vanhu vanoona Zimbabwe neziso rakadii kana kuti vanotaura vachiti chii pamusoro peZimbabwe senzvimbo yekushanya?
Amb. Nichols: Iyi inyaya inonakidza zvikuru. Zimbabwe inyika inoyevedza chose zvekuti inokwezva vanhu vakabudirira vekuUnited States nedzimwevo nyika pasirose. Tinoonawo vashanyi vanobva kuEurope nevamwe vanobva kunyika dziri pedyo neZimbabwe vari vane upfumi hwatingati hwepakati nepakati vachishanyawo kuno. Dambudziko riripo paZimbabwe, sekuona kwangu, ndere kuti kumira kwakaita zvematongerwe enyika uye kwezveupfumi hwenyika kunogona kuita kuti vamwe vanhu vafungisise kuti chingava chinhu chakanaka here kana kuti kwete kuti vashanyire kuno. Ndinofunga kuti pakatorwa matanho akasimba ekuvandudza zvematongerwe enyika nezveupfumi hwenyika zvinogona kubatsira kukudza huwandu hwevanhu vanouya kuzoshanyira Zimbabwe. Kutaura kudai, panotova nevanhu vekuAmerica vanosvika kuma zana maviri ezvuru (200,000) vanoshanyira Zimbabwe pagore rega rega. Vashanyi vazhinji vanoenda kudunhu reVictoria Falls; asi ndinofunga kuti nzvimbo inotevera iri kuno kuGonarezhou nekuChiredzi. Chinhu chandinofunga kuti chichawedzera mumakore ari kutevera. Asi rimwe divi nderekuti, kuti izvi zvikwanisike, Zimbabwe inofanira kuvandudzwa pane zvakawanda kuti iwedzere kuyevedza nekukwezva vashanyi pasirose.
Theresa: Mataura zvirikunetsa pamusoro pezvematongerwe enyika nezveupfumi hwenyika, Vashanyi vemuno vanobva kuAmerica vari kuzvigamuchirawo sei zveupfumi hwenyika ino zvirikunetsa kusanganisira kushomeka kwemari kumatura emari, kushomeka kwemafuta ezvekufambisa, uyevo kungodzikira kuri kuita raramo yevanhu?
Amb. Nichols: Ndinofunga kuti iyi inyaya iri kushungurudza munhu wese. Ndinogara muno muZimbabwe uye ndinotosanganavo nematambudziko iwawa. Imwe nyaya inobata moyo wangu ndeye kutadza kwekukudzwa kwebazi rezvekushanya muno muZimbabwe zvekutoti parizvino unogona kutowana vashanyi vanouya vachingori nechinangwa chekungonakidzwa nekugara mumahotera chete, vongoperera munzvimbo shoma idzodzo. Dai mamirire akaita zveupfumi hwenyika ari ano gadzirisa matambudziko atambotaura nezvawo aya, vashanyi vangadai vachibuda mumahotera avo vachienda kune dzimwe nzvimbo dzakasiyana-siyana dzekudyira, vachibuda vachienda kune nzvimbo dzinoyevedza nenzira dzakasiyana-siyana. Zvakadai zvinowandudza bazi iri; kuenda kuzvitoro zvakasiyana-siyana, kukwanisa kushandisa mari yavo vakasununguka pasina kushushikana vachiti, ‘mari yandinayo inoshanda kuno here, ndinogona kuichinja here?’ Pane dzimwe nzvimbo dzinenge dzichiti, tinotora Ecocash chete pakutenga, semuyenzaniso, kana uri mushanyi abva kune imwe nyika, hauzozvinzwisisi kuti zvinoshanda sei zvakadaro. Saka danho rekuvandudza upfumi hwenyika richagadzirisa nyaya yekuti vashanyi vazhinji vakwanise kushandisa mari yavo pane zvakawanda muno uyevo kuvandudzwa kwezvematongerwe enyika uko kwatinovimba kuti tichaona kuchiitika kuchabatsiravo kusimudzira chimiro cheZimbabwe uye kukurudzira vanhu vakawanda kuti vashanye.
Theresa: Hurumende inoti inyaya yezvirango zveupfumi zvakatemerwa nyika ino (economic sanctions), uye SADC yakatosarudza musi weChishanu 25 Gumiguru sezuva rekupikisa zvirango izvi (Anti Sanctions Day). Hatina kuona kupindura kana kakuvhunduka kune dzimwe nyika, kunyanya kune dzekuMavirira panyaya iyi. Kuti pane chimwe chinhu chatisiri kuziva here?
Amb. Nichols: Ndingati nyaya iyi yekusunungurwa kwezvirango zviri kuita sezvinoshungurudza Zimbabwe chinhu chiri mumaoko ehurumende yeZimbabwe yacho. Zvinhu zvatinoda kuona ndezvekuvandudzwa kwezvematongerwe enyika, semuenzaniso, nyaya yekubviswa kwemutemo wePublic Order and Security Act- inova yakatovhoterwa kare muparamende asi bepa racho rakangogara patafura yemutungamiriri wenyika kana kuti mumahofisi evakuru venyika rakangomirira kusainiwa kubva mumwedzi waNyamavhuvhu. Munguva idzodzi mutemo wePOSA wacho wakatomboshandiswa kanosvika katanhatu kudzivisa vaida kuratidzira, zvinova zvinoratidza kuti kurambwa kwawo haisi nyaya inokosheswa nehurumende. Mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act unova unobata zvekufambiswa kwemashoko kunyanya ndeumwe mutemo wakakurudzirwa nehurumende kuti ubviswe uye hurumende ikaramba ichidzokorora kuti uchabviswa asi hapana chakadaro chati chaitika.
PaZimbabwe Investment Development Agency, mutemo uyu wakagara wakamirira matanho aifanira kutorwa pakagara makurukota muparamende kusvika nguva yazvaifanirwa kuitwa yatodarika. Ndeumwe wemitemo yakakurudzirwa nehurumende ikavimbisa kuti yaizoukundisa. Kuvandudzwa kwenzira dzekuita nadzo sarudzo kwakanzi nehurumende yaizoona kuti kwatenderwa kushandiswa, panotoonekwa kuti ZEC yotodzekera shure pakukurukura kwezvevandudzo dzacho. Pane mapato mashanu anoongorora nezvesarudzo akauya kuno kubva kune dzimwe nyika, akatarisa vandudzo idzi asi hapana mutemo wadzo wakagadzirwa ukabudirira. Zvose izvi zvinhu zvekuti hurumende inokwanisa kuzvigadzirisa nenguva pfupi. Kuferefetwa kwekuvhiringwa kwakaita kodzero dzevanhu kwakaitika, semuenzaniso, mhirizhonga dzemusi waNyamavhuvhu 1, 2018, kwakakurudzirwa neMotlanthe Commission hakuna kuitwa, hapana akasungwa nemhosva yekupfura vanhu nepfuti kwakaitwa nenhengo dzemauto musi waNyamavhuvhu 1 uko kwakaita kuti vanhu vatanhatu varasikirwe neupenyu hwavo.
Gurukota rezveukama nevekunze VaSB Moyo vakanga vati hurumende yaizosunga vaizobatwa nemhosva asi hapana vatakaona vachisungwa. Uye tikatarisa kuti zvirango izvi zvakatemerwa neUnited States zviri kudhurira nyika zvakadii, tinoona kuti pane vanhu zana nemakumi mana nemumwe nemabhizimusi akatemerwa zvirango izvi. Tinoona kuti vanhu ava vashoma chaizvo, kana tichitarisa kubva muzana, tingati huwandu hwavo hausviki pa 0.00006 kubva muhuwandu hwevanhu vemuZimbabwe avo vanosvika 16 million, saka izvi hazvikonzeri kutambura kwevanhu vemuZimbabwe.
Tikatarisa huori hweNational Social Security Authority, mari inosvika madhora zana rezviuru ($100 million) yakabiwa, tikatarisa hurongwa hwekurima (Command Agriculture, Auditor General vakati madhora $2.8 billion haazivikanwi kuti akanyangarika nepapi pakati pa2017 na2019. Takatoona kuti pakati pa2018 na2019, fertilizer yemadhora anosvika ku$400 million yakabhadharwa haina kusvitswa kwayakabhadharirwa kwacho, mamillion emadhora akabhadharwa kuSakunda Holdings pakati paChikumi naNyamavhuvhu gore rino, zvinova zvakaita kuti huwandu hwemari hupeteke kaviri zvichireva kurasikirwa nesimba kwemari yemuno zvakaonekwa nemunhu wese zvichiitika. Kuita uku kune zvakawanda zvakunokonzera uye pane dzimwe nyaya dzakawanda dzehuori pakanyururwa mari dzeruzhinji dzichishandiswa zvisizvo. Mishonga inobiwa iri munzira kuenda kuzvipatara yopedzisira yevamumaoko asiwo. Tikatarisa Zinara, kwakaitika huori hukuru nenzira dzakawanda pakabiwa mamillions nemamillions amadhora pabazi remigwagwa iri, pachishandiswa nzira dzakasiyana-siyana, kubva zvakaita sekubhadhara zvinhu zvidiki-diki zvakaita sekubhadhara vanogadzira misoro yevakuru vebazi iri nekuvabhadharira mari dzekunorovedzerwa miviri (private gym), nekutengwa kwezvinhu zvisinei nezvinoda kushandiswa, nyaya dzacho dzakawandisa. Izvi ndizvo zvatingati ndizvo zvirango zviri kutemerwa kuvanhu veZimbabwe.
Theresa: Vhiki yakapera, mukuru wenyika, President Mnangagwa vakati Zimbabwe yakambomiswa kuwana mukana wekukwereta mari nekuda kwezvirango izvi. Pane ukama here pakati pekupihwa mukana wekutora zvikwereti kumatura emari epasirose nezvirango zvzvakatemwa ne America?
Amb. Nichols: Kana tikatarisa nyaya yekudzikisira mukana wakakura wekupinda panjodzi inyaya inonetsa zvikuru inodzokera kumashure kunosvika kutanga kwegore ra 2001. Nyaya yemutemo wekuti ziva mutengi wako inobva yanyanya kuomeswa. Unotarisavo kuongororwa kwemashandire eZimbabwe Financial Action Taskforce yakapinza Zimbabwe mugrey list nekuda kwemamiriro akaita hupfumi hwavo. Izvi zvakaitika, vhiki yapera, Ndinovimbakuti vazhinji venyu vakatarira izvozvi. Ichi hachisi chinhu chakaitwa neUnited States, zvinhu zvakaitwa neZimbabwe pachezvayo. Izvi ndizvo zvikonzero zvinoita kuti ukama pakati pamatura emarihufe. kufamba kwemari dzacho, ndinofunga kuti dambudziko iroro rinotanga kutapudzika. Dai vaitarisisisa nekuva nechiono, ndinovimba matambudziko aya ainatsurudzwa.
Theresa: Kune avo vari kuona kutepfenyura kwatiri kuita izvozvi, ndakagara pano ne Mumiririri weUnited States muno muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols. Munogona kutitevera paFacebook nekutevera hurukuro yatinayo pano uye munogonavo kutumira mivhunzo yenyu kuti pamwe vangakwanisa kuipindura. Tichienda kumuvhunzo unotevera Vanoremekedzwa, zvinotaridzika sekuti ZIDERA haisi kuzobviswa kusvika zvinhu zvakataurwa mairi zvaitwa. Imi kana muchitsoropodza zviri kuitwa neZimbabwe kuti ivandudze zvematongerwe enyika nezveupfumi hwenyika zvakanyorwa mumutemo uyu munoti kudii?
Amb. Nichols: Ndingati mukutaurwa kwaiitwa pagadziriro yesarudzo muna Chikunguru 2018, hurumende ino yakakwanisa kugutsa zvakawanda zvakanyorwa muZIDERA. Dambudziko riripo nderekuti hurumende haina kuzoita zvayakavimbisa kuti ichaita panguva dzecampaign. Kana ikaita sezvayakareva, ndinofunga kuti mberi kune chiedza pakukwanisa zvinodiwa neZIDERA. Asi hurumende ino inofanira kuchitangavo kutora matanho ekuita izvi. Zvekukoka misangano mikuru nekuita concert musi weChishanu hazvikwanisi kubvisa ZIDERA, kana kuti kushandisa madhora 4 million pazviri imi muchigona kushandisa madhora 4 million iwayo kubhadhara mari dzevarairidzi nedzanachiremba kana kutenga mishonga yekuzvipatara, kugadzirisa nyaya yezvifambiso zvakanaka zvevanhu vanogadzira migwagwa, ndizvo zvinhu zviri nani kushandisa mari iyi.
Theresa: Tichidzokera kunyaya yenyu yezvamuri kuita zvechengetedzo, vanhu vazhinji vari kuvhunza pamusoro pezviri kuitwa paGreat Zimbabwe National Monument uye tavakupinda mumwaka wekunaya kwemvura naizvozvo chikwenzi chinonzi Lantana Camara chicharamba chichienderera mberi nekuparadza masvingo, mungati pava nenzvimbo yakakura sei kubva muzana yakwanisa kuti chidzurwe?
Ambassador Nichols: Ndingati basa riripo rekubvisa Lantana Camara kubva panzvimbo iyi ndere US$475,000 richafanira kuitwa munguva inokwana makore maviri. Takaita laser 3D mapping yechidimbu makumi masere nemashanu kubva muzana (85%) pamasvingo epamusoro pegomo. Vanamazvikokota vanobva kune dzimwe nyika vakatotanga kubvisa Lantana Camara. Kusvika muna Kubvumbi wegore rinouya tinotarisira kuti danho iri tinenge tari pedza. Hazvisi zviya zvekuti tinongoita kamwe zvobva zvapera zvose. Chinhu chekuti tiri kutodzidzisa vamwe vedu vatinoshanda navo vemuno kuti vakwanise kuramba vachizoita basa iri nekuona kuti Lantana Camara yacho haizodzoki zvakare. Kune vari kuona, chikwenzi ichi chiruva chinoita zvekukura chichipinda pakati pemikaha yematombo zvinova zvinokonzera kuti matombo akavakiswa masvingo azununguke nekusamira zvakasimba. Naizvozvo kana tikakwanisa kuibvisa nekuita kuti isadzoka zvakare, zvinovimbisa kuti Great Zimbabwe inoramba ichingovapo kwechimwe churu chemakore kuti vanhu vepasirose vaone nekunakidzwa. Nzvimbo iyi ndeimwe yezvishamiso zvepasirino.
Theresa: Ndiri kutarisa mivhunzo iri kupinda pano, Ndine zvinyorwa zviri pano zvakanangana neZIDERA, pamusoro pezvirango zasi ndingati zvinhu zvamataura nezvazvo kare. Mukuparadzana Vanoremekedwa, mapedza kushanya kudai, mungati chii kana muchienzanisa Gonarezhou neGreat Zimbabwe?
Ambassador Nichols: Nzvimbo dzose idzi dzakanaka chaizvo, uye dzinoshamisa. Masvingo sedunhu, rakanaka chaizvo uye rine nzvimbo dzakasiya-siyana, zvinoshamisa kwazvo. Gonarezhou inzvimbo inochengeterwa mhuka (game park)uye ine nzvimbo huru yakaitenderedza. Chiredzi yakanakavo chose. Kubva zvandanga ndiri kuno, ndaona nzou, zvipembere zvitema nezvichena, matindingwe, shumba, mbizi, ngongoni- huwandu hwemhuka dzesango hwacho hunoshamisa zvekuti ndinoshuvira kuti vose vari kuona uyevo nevanhu vekunyika yangu vose vazowana mukana wekuuya kuzoona zvinhu zvakakosha zviri kuno nekuzoshandisa mari dzavo zvichibetsera upfumi hwenyika ino. Takanangana nekubatsira kuti vanhu vemudunhu rino vawane pundutso kubva mukushanya kwevanhu uku. Tiri kudzidzisa vanhu kuti vakwanise kushanda mubazi rezvekushanya; tiri kupa dzidzo, rutsigiro muzvikoro, nemuzvikwata zvevechidiki kuno. Tiri kushanda kuti zvikwanisike kuti Limpopo River Basin ipe mvura yakanaka kuZimbabwe, South Africa, neMozambique. Saka tiri kuita zvizhinji zvakanyanya kunzvimbo ino uye zviri kubatsira zviru nezviru zvavanhu. Tichiwedzera pabasa redu rechengetedzo, tiri kushandawo nezvipatara tichibatsira kurapwa kweHIV/AIDS, Malaria neTB. Takapa madhora mazana mana nemakumi manomwe ezviuru (US$470,000) kuChiredzi District Hospital, semuenzaniso, mari iyi iri kupa (vari kunwa mushonga wekudzivirira hutachiona (anti-retroviral therapy and viral load testing) kuvanhu makumi manomwe ezvuuru (70,000). Saka rino idunhu rratakazvipira kuri tsigira uyevo ndinovimba kuri shanyira zvakare kakawanda panguva yandinenge ndichiri mumiririri weAmerica.
Theresa: Vanoremekedzwa, tinotenda zvikuru nekubatana neTell Zim News pahurukuro ino, kuvatariri vedu, tinotenda kubatana kwamaita nesu nekutitevera pahurukuro ino. Ndinovimba kuti munguva inotevera tichawana mikana yekuita hurukuro dzerudzi urwu. Kune avo vanga vachiona nesu, tasvika pamagumo ehurukuro yedu ne Mumiririri weku United States mu Zimbabwe Ambassador Brian Nichols. Vanoremekedzwa tinotenda uye tinoti muve nenguva yakanakisa muno muMasvingo.
Ambassador Nichols: Ndinotenda.
Theresa: Maita basa.