Flag

An official website of the United States government

Transcript (SHONA): Ambassador Brian A. Nichols interview with Trevor Ncube
32 MINUTE READ
January 17, 2020

 

Transcript (SHONA):  Ambassador Brian A. Nichols interview with Trevor Ncube

Watch this interview on YouTube (Posted Monday, October 21, 2019).   

START: 

Trevor Ncube: Makadii Zimbabwe, Africa nepasi rose, Tinokugamuchirai pano pachirongwa che In Conversation with Trevor inotsigirwa neTitan Law.  Tinokurukura nyaya zhinji nedzine udzamu dzakasiyana siyana.  Nhasi ndirikukurukura nemumiririri we United States mu Zimbabwe, va Brian. A. Nichols.

Trevor Ncube: Ambassador Brian. A. Nichols ndinokugamuchirai pachirongwa che In Conversation with Trevor.

Ambassador Nichols: Ndiri kufara kuve pachirongwa chino newe Trevor.

Trevor Ncube: Zvakanaka kwazvo kuva nemi pano. Saka regai tibve tatanga hedu; maita hurongwa hwese hwekutanga basa renyu, maverenga zvese maererano neZimbabwe, matenderwa kushanda muno muZimbabwe, maitwa mumiriri wenyika yenyu muno mu Zimbabwe, muri mundege kuenda kuZimbabwe, zvii zvamuri kunyatsofunga mumusoro menyu?

Ambassador Nichols: Chakatanga kupinda musoro mangu ndechekuti ndaizobvumidzwa here neSAA kuti ndipinde nezvinhu zvangu zvese mundege nemhaka yekuti vanonyanya chaizvo kutarisisa uremu hwezvinotakurwa; asika chakatevera kupinda mumusoro mangu inguva iri kuitika zvinhu zvinofadza muZimbabwe, kwasara mavhiki maviri kuti kuitwe sarudzo dzevatungamiriri venyika, ndakaudzwawo kuti ndakukwanisa kurnoratidza mutungamiri wenyika nekukasika mapepa angu ehumbowo hwezvandakavinga muno uye ndizvo zvakabva zvaitika.  Inguva inofadza chose munyika makatakura zviroto nefungidziro dzevanhu vakawanda pasi rose.

Trevor Ncube: Fungidziro dzevanhu vakawanda pasi rose, Fungidziro yenyu maererano neZimbabwe yakanga yakamira sei, uye zvii zvamaitarisira kubva kunyika yeZimbabwe?

Ambassador Nichols: Ndinofunga kuti Zimbabwe inyika…., ndoreva kuti kana nyika yenyu yakamboimbwa nezvayo naBob Marley chaiye vanhu vakawanda vachatotanga kufunga kuti inyika yakanyatsa kudii chaizvo. Pane chitsama chevanoonawo nezvekugadzirwa kwezvirongwa nemitemo kunyika kwangu, uye dzimwewo nzvimbo dzakatenderera vakaita zvinyorwa zvetsvakurudzo maererano neZimbabwe.  Zimbabwe inyika inowana hanya nekutarisiswa panyaya dzemagwaro emitemo nezvirongwa kubva kune United States nebumbiro yenyika dzose. Sachigaro wekugadzwa kwangu vaSenator Jeff Flake vakambogara muno muZimbabwe, vakaita chinyorwa chetsvakurudzo cheMasters yavo pamusoro pevaimbova mutungamiri wenyika ino vaRobert Mugabe. Saka kutarisira ikoko, nemwaka wandanga ndiri kupinda mauri, apo panga paine sarudzo yakakosha zvikuru, kusvika pachikamu ichocho panga pasina kana mhirizhonga nekutyisidzirana, zvinhu zviri kuendeka zvakanaka, ndiyo nguva yekuti Zimbabwe ishandise mukana chaiwo pakuva nyika ine gutsa ruzhinji, budiriro uyewo nejekerere pazvose.

Trevor Ncube: Saka masvika muno, mataridza mapepa ehumboo hwezvamakavinga musi wa19 mumwedzi waChikunguru, idzo sarudzo dziriko musi wa30, pfungwa yamakange muinayo maererano nenyika ino yeZimbabwe haina kusiyana neyamakazosangana nayo here, uye hamuna zvakakusuwisai zvamakaona muno?

Ini ndakafadzwa kwazvo nezvizvarwa zvemuZimbabwe.  Zimbabwe inyika ine vanhu vane zvipo zvakawanda, vanhu vakadzidza zvikuru uye vanoshanda nesimba.  Mukatarisa vanhu vanobva kuZimbabwe kune nyika dzakasiyana-siyana pasi rose vanhu vakabudirira chaizvo, izvi ndizvo zvinofanirwa kunge zvakaitawo vagari vemuno muZimbabwe.  Musi we sarudzo dzemuno, ndaiva ndiri muhofisi yemutungamiri wenyika vaMnangagwa naSenator Flake, uye panguva iyi taivakorokotedza nekubudirira maererano nesarudzo kunyangwe paiva nezvikanganiso mumaitirwo esarudzo idzi, ndakaona sepaiva neshanduko huru maererano nesarudzo idzi tichienzanisa nedzakare.  Mukufamba kwenguva, nditori muhofisi mangu, ndakanzwa nezve kurira kwepfuti pakati peguta, takazotumira mota dzakadzivirirwa kuzvombo kuti dzinotora vaongorori vesarudzo vekune dzimwe nyika kuti vanotorwa vauye ku Embassy kwedu iyo yakanga iri kumapeto eguta nguva yacho iyoyo asi takanetseka kuti chii chakange chakanganisika uye zvinorevei uye zviri kuda kuyedza kuti kudii?

Zimbabwe yakatora danho rekuva nedare reongororo netsvakurudzo yaitungamirirwa navaMotlanthe (Motlanthe Commission), pamhirizhonga nekupfurwa kwakaita vanhu mumwedzi waNyamavhuvhu, naizvozvo matanho nezvakanzi zvigadziriswe netsvakurudzo yava Motlanthe hapana kana chati chaitwa kunyagwe pave negore nechikamu chadarika chekumbunyikidzwa kwevanhu nemauto nemapurisa emuZimbabwe.  Ndinotaura nezvemazuva ekubva musi wa 1 kusvika 7 Nyamavhuhu apo vanhu vaienda kunzvimbo dzinogara vanhu vakawanda muguta uku mapurisa namasoja airova vanhu. Izvi zvaikatyamadza zvikuru.  Taida kupa hurumende yeZimbabwe mukana wekuti ikwanise kutarisana nezvinhu izvozvo, mukana wekuparura donzvo re remutungamiri wenyika vaMnangagwa ravakavimbisa vanhu munguva yekutsvaga vatsigiri vachigadzirira sarudzo nezvavakavimbisa pavaipa mashoko emamiriro enyika mazuva mashoma apfuura. Zvizhinji zvedonzvo iri hazvisati zvaparurwa.  Vandudzo dzakawanda dzakashambadzirwa nehurumende iyi pavaitsvaga rutsigiro zvakaita sekuita zvaienderena nebumbiro remitemo yegore ra2013, kubvisa mitemo inotsikirira inenge POSA neAIPPA hazvisati zvazadziswa.

Trevor Ncube: Kufunga kwenyu imi sei zvisati zvaitika?

Ndinofunga kuti pane zvikonzero zvakadzama zvirikutadzisa shanduko ipapo, shanduko haisi nyore asi inokosha.  Kana tichiona mafambiro ari kuita nyika, takatarisa kudonha simba kwemari kwakapetwa mazana mazhinji.  MuEmbassy tine zvipimo zvezvinhu zvakakosha zvinosvika gumi nezvitanhatu zvinosanganisira upfu, chingwa, mafuta okubikisa, muriwo, mafuta edzimotokari, izvi zvinosvika zvikamu mazana matanhatu nemakumi mana nerimwechete kubva muzana pagore kutanga mwedzi waGunyana gore rino ra2019.

Saka zvinhu zvinonyanyodiwa nevanhu zviri kutengwa nemutengo wakakurisisa zvikuru.  Takaonawo nhau dzinokanganisa dzekumbunyikidzwa nekutorwa nechisimba kwevanomiririra kodzero dzevanhu. Takaonawo kuratidzira mumwedzi waNdira, mhirizhonga yakateverakusanganisira kudzimwa kwedandemutande.  Zviitiko izvi zvakaunza kushushikana kunemapoka enyika dzekunze uye nevagari vemu Zimbabwe.  Saka munoona kuti kusada kutora matanho evandudzo dzakatsarukana kuti nyika iyenderere mberi ndiko kuri kudzosa nyika kumashure, tikatarisa pave neZimbabwe nhasi, zvayaive gore rapfuura, tozotarisazve zvayaiva makore mashanu apfuura, panofanira kuve neshanduko yakasimba chaizvo inova inogadzirisa matambudziko akatarisana nenyika ino.

Trevor Ncube: Zviri pachena pane zvamataura kuti vandudzo dzezvematongerwo enyika hadzisi kutora nzvimbo.  Vandudzo dzezveupfumi hadzisi kutora nzvimbo nekukurumidza sezvamungade.  Tiudzei muchidimbu kuti maererano nevandudzo yezvematongerwo enyika, zvii zvinhu zvitatu zvinokosha pamusoro pevandudzo idzodzo dzezvematongerwo enyika zvamungada kuona zvichiitwa nekubudirira?

Ambassador Nichols: Chinhu chiduku duku chekutanga, kuparura shanduko musarudzo yevatungamiriri venyika semataurirwo avakaitwa nemapoka mashanu ekune dzimwe nyika aiongorora sarudzo dzemuno pasarudzo dzakasiyana siyana.  Chinhu chakatsinhirwa nevose vaiongorora sarudzo dzemuno, hurumende yakange yavimbisa kuti zviri muhurongwa mavo, vakaungana vachikurukura nezvazvo muungano dzakasiyana siyana. Vanhu vakawanda vakatumirwa kunzvimbo dzakasiyana siya siyana, vane mukana wakanakisa, hapana chikonzero chavari kuregerera kuenda kumberi.

Trevor Ncube: Chechipiri….

Ambassador Nichols:  Chechipiri ishanduko mune zvekufambiswa kwemashoko.  Ndinofunga kuti kufambiswa kwemashoko mu Zimbabwe kunombunyikidzwa uye hakugutsi. Saka ndinokukorokotedza nekukwanisa kugona kuchengetedza rimwe remashoma mazwi akazvimiririra muno munyika asi zvaifanira kutekeshera.  Ino inyika ine chiteshi chimwe chemasaisai echivhitivhiti.  Kunyangwe dzimwe nzvimbo diki mune dzimwe nyika, dzine zviteshi zvakawanda zve zvivhitivhiti uye havana kumbunyikidzika panyaya dzezvivhitivhiti nemawairesi avo, muno hamusi kupihwa mvumo yekuva nezvimwe zviteshi zvema wairesi zvinobata mumanharaunda uye nezvinobata nyika yese.

Trevor Ncube: Saka vandudzo dzemaendeserwo emashoko kuvanhu hadzisi kukugutsai?  Mati imi pane zvinhu zvitatu zvinoda kutariswa, ndechipi chechitatu maererano nezvematongerwo enyika?

Ambassador Nichols:  Ini ndinogona kuva nezvinhu zvinodarika zvitatu, asi vandudzo mumauto nemapurisa yakakosha zvikuru. Chimwe chezvinhu chinonyanya kushungurudza ruzhinji rwe Zimbabwe nenyika dzekunze, ndechekuti mauto nemapurisa vanoshandisa simba rakanyanyisa uye zvombo zvinouraya mukurambidza vanoratidzira.   Pane vanhu vanodarika makumi mashanu vakatorwa zvechisimba asi nanhasi hapana kana tsvakurudzo yati yaitwa, pane mhirizhonga yakapoteredza kuratidzira kwemuna Nyamavhuvhu sezvandamboreva, muna Ndira nemuna Nyamavhuvhu zvekare, zvinhu zvinokosha izvozvo.  Pazvinhu zvose, chinhu chandinoona chakanyanya kukosha ndekuva nenhaurirano inosanganisira munhu wese mu Zimbabwe maererano nematongerwo enyika kuti dambudziko riri kushungurudza zvizvarwa zvemu Zimbabwe ripere.  Ndinofungawo danho riri kutorwa neboka re Zimbabwe Council of Churches (ZCC) rekukurudzira kutaurirana rakakosha zvikuru.  Chinhu chine mukana vekukunda zvose zviri kunetsa chinounza vanhu pamwechete kuti vagoonera pamwe matambudziko nekuedza kumagadzirisa vakabatana.

Trevor Ncube: Ndange ndiri kufunga maererano nenhaurirano idzodzo uye ndange   ndiri kufunga kuti hapanawo here dzimwe nzira dzakasiyana, pane kungoti tauriranai, hapanawo here dzimwe nzira idzo vanomirira nyika dzekunze muno, shamwari dzedu dzekune dzimwe nyika dzavangabude nadzo dzinokwanisa kudzikisa nadzo gakava iri, kutungamirira kutaurirana kwemapato ari kurwisana izvozvi?  Tingazviite sei, zvinoita here?

Ambassador Nichols: Ndinofunga kuti nyika dzepasi rose dzinogona kubatsirawo padambudziko irori.  Ndinofunga kuti chekutanga zvinhu zvinofanira kugamuchirika muZimbabwe uye zvichikwanisa kuitikawo.  Ndinofungazve kuti nyika kana vabatsiri vekunze vanoda kuona matanho nehurongwa hwavo kubva kumapato ematongerwo enyika nevamwe vanechekuita nedambudziko riri mu Zimbabwe. Ndinofunga kuti chekutanga zvinhu zvinokwanisa kuitika zvichigamuchirika mu Zimbabwe.  Ani naani wekunze anoda kushanda nenyika ino anoda kuona chido kubva kune vakakosha vacho ne nevose vanechekuita nebudiriro yeZimbabwe.  Ndinofunga zvakare kuti mhinduro yacho inofanira kubva kuAfrica uye nyika dzakakomberedza Zimbabwe dziri mu Southern Africa dzinofanira kunyanya kubatsira.  SADC kumashure uko yakashanda zvikuru pakuyananisa kusawirirana kwakange kwaitika.  South Africa yakapawo vaimbova mukuru wenyika ikoko President Motlanthe kuno vakatungamirira boka raitsvagurudza nezvemhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu.

Trevor Ncube: Ndiri kubvunza mubvunzo uyu ndichifungawo zvakaitika ku Kenya apo mushakabvu Kofi Annan nerubatsiro rwenyika dzekunze vakagadzirisa zvinhu zveikoko zvikaita.  Nekuti dambudziko nderekuti tine zvido zvine hudzamu zvakanyanyisa kumapato ese.  Tinotoda munhu anotofambisa zvido zvemapato ose kuunza pakati ane pfungwa itsva, ndosaka ndabunza mubvunzo uyu.

Ambassador Nichols: Munguva yesarudzo dzevatungamiriri, Va Kofi Annan vakanga vari muno muHarare vakamiririra boka rinonzi rema Elders pakugadzirisa matambudziko ematongerwo enyika, vachibatsirana na Mary Robinson panguva iyoyo na Lakhdar Brahimi, uyezve pakanga paina vaimbova mutungamiri wenyika VaRobinson nevaimbovawo gurukota rehurumende va Graca Machel pakubatsirana pamwe neboka iroro rema Elders aya akanga aripo, ndinoona riri danho guru rakakosha rinogona kugadzira matambudziko aya zvakanaka.  Zvisinei hazvo tinoziva tese kuti Va Kofi Annan vachangobva kuno vakarwara ndokushaika.  Nhasi uno tinongodemba kuti dai vari pano vakapfuurira nebasa ravo neunyanzvi hwavo zvimwe gore nechidimbu rapfuura pamwe zvinhu zvingadai zvakagadzirisika.

Trevor Ncube: Tikatarisa makauya muna Chikunguru musi wa 19, makorokoto nechivakwa chenyu chikuru che Embassy – chakanakisa, mucherechedzo here vechivimbo chamuinacho neramangwana renyika ino kuvaka chivakwa chakakura chakanaka kudai?

Ambassador Nichols: Ngatiisei kunaka tisati taisa kukura.  Asi hongu takashandisa mari inokwana mamiroyoni mazana maviri nemakumi manomwe nembiri emadhora kuvaka chivakwa che Embassy ichi uye takaratidza huvepo hwedu uye huvepo hwedu tichazama kuti hubatsire.  Hatisati tawedzera vashandi vedu.  Kubva pazvivakwa zvitanhatu takadzoka kuchivakwa chimwechete hongu zvinoratidzawo kutenda kwatiinako kuti nyika ino inogona kubudirira.  Zimbabwe ine remangwana rakanaka ikaita shanduko, ikatora matanho andinofunga kuti vanhu vazhinji mu Zimbabwe vanoaziva kuti nyika ienderere mberi.  Embassy pamusoro pekunaka kwayo kwepanze, inewo zvinhu zvakanakisa zviri mukati mayo zvakaitwa nevanhu vemuno mu Zimbabwe vanosanganisira Moffart Takadiwa, Misheck Masamvu vanova vamwe vevandinofarira, kune vamwewo wakaitawo mabasa akanakisa ari imomo zvakare unovazve mumwe mufananidzo wezvipo zvine vanhu vemu Zimbabwe uye zvinoratidzawo kuti nyika ingadai yabudirira kusvika papi kana vanhu ava vese dai vaipiwa mukana nerutsigiro rwakakwana

Trevor Ncube: Zvinofadza.  Nyika yava nemakore anopfuura gumi nemanomwe iri pasi pezvirango zveupfumi zvayakatemerwa ne United States of America zvakasimbiswa nerugwaro rwekutanga rwe Zimbabwe Democracy and Economic Recovery Act remuna 2001, rakazoongororwa rikasimbiswazve muna 2018.  Vamwewo vanoti zvirango zveupfumi izvi zvakatemerwa kune vamwe vanhu kwete nyika yose asi sezvamuri kuona zviri kuitika izvozvi chokwadi ndechekuti zvirango izvi zviri kuparadza zvikuru kune vanoshaya uye jekerere yemakambani.  Munozvionawo sei pamusoro pezvirango izvi uye remangwana riri kuendawo kupi kubva pano?

Ambassador Nichols:  Izvozvo ndinopokana nazvo zvomene.  Gwaro re ZIDERA pacharo rinongopa kuvakuru vanoona nezvemari inokwereteswa kune dzimwe nyika kuti Zimbabwe irege kuvhoterwa kuti ikwereteswe mari kana kuregererwa zvikwereti zvayo kana isati yagona kuita zvinotarisirwa nedzimwe nyika kunyanyanyanya shanduko nejekerere pamafambisirwo ezveupfumi munyika, shanduko inounza hutongi hwegutsa ruzhinji, uyezve nekuremekedza kodzero dzavanhu.  Vakuru vakuru vezvemari nemakurukota avo nebanga repasi rose (World Bank), (IMF), Bhanga rezvekubudirira mudunhu reAfrica (African Development Bank) havana kumbobvira vavhotera Zimbabwe nekuti Zimbabwe iri kukundikana pachezvayo kuva neshanduko pazvose izvo zvinoita kuti itadze kusvika pakutariswawo kuti varerutsirwe muzvikwereti kana kukwereteswa patsva.  Saka kutaura chokwadi ZIDERA haina kumbobvira yakashandiswa.

Mugore ra2003, vakuru vakuru veku America (Executive Branch) vakawedzerawo hurongwa hwezvirango zveupfumi zve Zimbabwe, Hunova hurongwa hwakanangana iye zvino nevanhu nemakambani zana nemakumi mana nerimwe chinova chikamu chidikidikisa (0.00006%) kubva muzana maererano nevanhu vese vemu Zimbabwe.  Hazvitadzise Zimbabwe kutengeserana ne America.  Ndakaunza makambani eFortune 500 kuno kuZimbabwe kuitira kuumbiridza hukama hwedu pane zveupfumi. Ndakaita misangano neGE Africa nemutungamiriri wayo. Ndakagamuchira gurukota rezveutano pamwe neAbbott Laboratories kumba kwangu tichitaurinana nezveku tengeserana.  Ndakasanganawo nevemabhizimisi emubatanidzwa weku America ne Zimbabwe (American Business Association of Zimbabwe) kusimudzira kuzama kwavari kuita basa ravo. Boka revakuru vakuru vema kambani eZimbabwe richaenda kuUnited States kunosanganawo nemubatanidzwa wemabhizimusi kuitira kuti pagova nekunzwisisana kwevanhu venzvimbo dzakasiyana-siyana (Business Council for International Understanding).  Ndakasangana navo kuUnited States panguva dzakati wandei kuitira kuti ndivasimbise kuti vade kuvhura mabhizimusi avo muZimbabwe. John Deere yakabudirira mukutengesera Zimbabwe matirakita emari inosvika mamiriyoni mazana mashanu nerimwe emadhora.

Tine zvirongwa zvakawanda zveupfumi zvinotsigirwa nehurumende yeku America.  Kuburikidzwa nekutsigirwa nehurumende uku, bato reCommerce reUnited States rakatsigira kuenderera mberi kwekupupurirwa kwezveupfumi izvi uye vari kutoshandawo muzvirongwa izvi kubva kumavambo ekubudirira kwavo izvozvi, tirikushandawo nesimba kukurudzira mabhizimusi nekutengeserana kwakafanana pakati penyika dzedu zvichibatsira vanhu vese vemuno neve ku America.

Tikatarisa zviri kukonzera matambudziko ezveupfumi mu Zimbabwe, chokutanga; huori. Huori hwakonzeresa kurasika kwemabhirioni nemabhirioni emari munyika yeZimbabwe, pashoma patingatofungidzira mari inodarika bhirioni pagore roga roga. Izvozvi Auditor General mugwaro rekuzivisa (report) pamusoro pechirongwa cheCommand Agriculture inorakidza kuti pane mari inosvika mabhirioni matatu asina kutaridzwa mashandirwo ayo munguva yekubva 2017 kusvika 2018. Kubva mumwedzi waChikumi kusvika Nyamavhuvhu wegore rino pakaitwa mibhadharo kuSakunda Holdings maererano nechirongwa che Command Agriculture nezvimwewo zvinangwa iyo yakawedzera kuwanikwa kwemari muZimbabwe nechikamu chinosvika makumi mashanu kubva muzana muZimbabwe. Woshaiwa kuti nei kushaya udzamu kwemari yemuZimbabwe kwakazokwira pakati pemwedzi waChikumi naNyamavhuvhu. Mhando idzodzo nemaitiro iwayo ezvinhu ekuti vanhu vanopanana pachavo ndivo varikutambudza ruzhinji rwemu Zimbabwe.

Tarisai pepanhau ranhasi panyaya yeZINARA neaimbova mukuru wayo avo vaiitawo zvisiri pamutemo sechikamu chedzimwe nyonganiso dzakakura izvo vamwe vakaisa pama million makumi manomwe nerimwe.  ZESA yakatengawo matransformer neimwewo midziyo yekushandisa kumagetsi iyo isina kumbobvira yasvika iko kuZESA kwacho.  Kunouyawo mabhizimusi ekunedzimwe nyika, vozamawo kukwikwidza kuwana chibvumirano muno, wobudirira, panguva yekuda kuchisayina chibvumirano mozongonzwa kuti kune mumwe munhu wemukati akawana chibvumirano ichocho oregedza kuzounza zvigadzirwa zvacho. Izvi zvinoramba zvichingoitika, misi nenguva zvichingoitika, zvinhu zvatinoona mazuva ese.

Tikatarisawo pane bazi ripi zvaro, semuenzaniso kutengeswa kwemapiritsi nezvimwe zvinodikanwa pakurapwa mubato rezvehutano, huori hwese hunoitika vanhu pavanotengeserwa mishonga nemitengo yakapetwa kaviri, katatu kana kuti kana kunyangwe kazhinji kunenge kuine mishonga inonga yakapiwa nyika pachena neve kunzvimbo dzekunze asi yoramba ichitengeswa. Mukatarisa hurongwa hwemari hwemapazi akasiyana siyana muno muZimbabwe munoona kuti pane zviri kurasika zvakakura. Zimbabwe iri pedyo nekuzasi kweTransparency International Corruption Perceptions Index. World Economic Forum yakaburitsa zviverengo zvayo zvitsva izvo zvakarakidza kuti Zimbabwe iri pachinhanho chezana nemakumi mairi nenomwe panyika zana nemakumi mana neimwe pamaWorld Economic Forum. Saka izvi ndizvo zviri kunyanya kushungurudza nyika ino munyaya dzehupfumi.

Trevor Ncube: Hapana angapokana nezvinhu zvamataura iyezvino. Kune chinhu chimwe chinoita kuti zvinhu zvitadze kunzwisisika takatarisa nyaya iyi. Nhau dzamataura dzakawanda dzehuori haasi manyepo uye ndinovimba vanhu vemuno vane hurombo. Asika vanhu vanochibvunza kuti sei America isingatarisi Zimbabwe zvakafanana nedzimwe nyika. Ngatitarisei Pakistan. Pakistan inowana rutsigiro rwakawanda kubva kune America uye kubva ku bhanga reIMF–vakawanawo mari inosvika mabhirioni matanhatu kubva kuchirongwa che IMF cheStaff Monitoring program.  Egypt iyo inotsikirira kodzero dzevanhu vayo, kune mazana masere evanhu vakauraiwa inowana mari inosvika mabhirioni gumi nemaviri kuti itsigire hurongwa hwayo hune vashandi nechekare.  Seiko kusina kufananidzwa kwerubatsiro kana tasvika panyaya dzematambudziko akadai. Izvi zvinosimudza mutauro wekuti zvichiri zvepamusoro pekodzero dzevanhu here kana kuti zvave zvezvinodiwa ne United States.

Ambassador Nichols: Chinangwa chedu chiri pakugarisika zvakanaka kwevanhu vemu Zimbabwe. Zimbabwe haina kumbobvira yakwanisa kusvika panenyika dzinokwanisa kusarudzwa kuti ikwanise kupiwa rubatsiro rweIMF staff monitoring program. Pavakaita hurongwa hweIMF muno muna2016 zvakazobuda pachena kuti hurumende yeZimbabwe yakabika zviverengo zvaidikanwa uye hurongwa uhu pahwaive hwaakupera hurumende yakaunza RTGS. Pakabuda chokwadi chekuti paive nekudya mari kusina kutsarukana uye muchivande kune mari yaisvika mazana ezvuuru zvamamirioni amadhora asina kukwanisa kuonekwa neIMF payaiita zviverengo zvayo saka izvi zvakakatyamadza mapoka ekunze kwenyika ayo aiva aine nechekuita neizvi.  Ndinoda kuramba ndichisimbisa nyaya yekuti zvekuti nyika yeUnited States haisi kubatsira Zimbabwe haisi yechokwadi.  Unites States ndiyo inopa kune Zimbabwe zvakanyanyisa.  Kubva gore ra1980 takabatsirawo nemari inodarika mabhirioni matatu mukubatsira Zimbabwe.

Trevor Ncube: Kubvira 1982?

Ambassador Nichols: Kutanga pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere taipawo mari inodarika mabhirioni matatu. Mugore ra2019 takapawo Zimbabwe mari inodarika mazana matatu emamiriyoni yerubatsiro.  Kuitira mwaka uchauya tichizopinda mugore ra2020 takabvisa mari inosvika mamiriyoni makumi masere nematanhatu kuitira kuti vanhu veZimbabwe vagova nechikafu chinovakwanira mugore rinoteera uyewo kuitira zvimwe zvinhu zvinodiwa kuitira kuti vanhu vakwanise kurarama zvakanaka.

Trevor Ncube: Gakava rangu riri pakuti hupfumi hweZimbabwe, maindasitiri, nezvekutengeserana zvaizounza mari inodarika iyo iri kuunzwa neAmerica. Saka nyaya yangu iri pakuti kuurayiwa kwaitwa hupfumi hwemuno nekuda kwekufungidzira nechokwadi chezvirango zveAmerica izvo zviri kukuvadza     nyika kudarika rubatsiro rwuri kupiwa neUnited States.

Ambassador Nichols:  Kufungidzirwa kwekushata kwezvinhu muZimbabwe kunounzwa nemabatirwo anoitwa zvinhu nehurumende yeZimbabwe.  Munguva yesarudzo, muna 2018 paiva nemakamabani akawanda aifona achibvunza nezvekuunza upfumi mu Zimbabwe asi hapana chaiva chachinja mererano nemitemo yedu panguva iyoyo.  Sezvandambotaura ndakaunzawo makambani eFortune 500 muno kuti vaite mabhizimusi nekutsvaga mimwe mikana.  Nyaya iri pano ndeyekuti vanhu vakauya kuno, voona kuti zvinonetsa kuti vaone mumiririri vakazokwanisa kusawirirana munyaya dzemabhizimusi.

Kana vari kuendza kutanga mabhizimisi avo muno vanozorasa mwoyo nekuda kwezviitiko zvemuno semuenzaniso tikatarisa murume aida kutanga kambani yake inota nezvemararamiro akasiyana-siyana evanhu zvichishambadzwa pamhepo, muna Ndira dandemutande yakabva yadzimwa akati iye aizokwanisa here kuita kuti kambani yainyanya kuda rutsigiro rwedandemutande ibudirire imo muno muZimbabwe muchikwanisa kungodzimwa dandemutande chero nguva yavadira.Takawana makambani akawanda aida kushanda mumaindasitiri ekugadzirwa kwezvinhu zvakasiyana-siyana akazotadzawo kuita izvi nokuda kwedambudziko rinoitika pakuendesa nokuunza zvinu munyika paBeitbridge, vakawona kuti vaisazokwanisa kuita zvinobudirira nenhau yokuti mota dzavo dzaizomira mumitsetse yekuti dzipinde munyika kwenguva refu kana pasina kubviswa chioko muhomwe.  Zvinhu zvakawanda zvaibiwa, nokuti vanhu vaihwanda nekuti vanenge vachiita kuti zvinhu zvisina mvumo zvipinde munyika. Zvinyorwa zvacho zvinoramba zvichienderera mberi, mukatarisawo ZINARA, ZUPCO, NSSA.

Trevor Ncube: Zvinoramba zvichienderera mberi.  Ndofunga kuvhara nyaya iyi, zvinyorwa zvinoramba zvichienderera asi tikatarisa nyika dzandareva kare, Pakistan neEgypt, zviitiko zvavo zvakatonyanya kukura. Mubvunzo wangu wanga uchizobvawo panyaya yekutariswa zvakafanana kwenyika dzose kusanganisira ino mukugadzirisa dambudziko iri. Zvakadaro, pane mafungiro nemaonero ekuti zvirango zveAmerica zviri kukonzera kurasikirwa kwenyika ino nemabhangi. Kubva pane mabhangi makumi maviri netanhatu mwedzi gumi nemaviri yapfuura tasarirwa ikozvino nemabhangi matanhatu. Fungidziro nezviitiko chaizvo zvezvirango zveAmerica zviri kukonzera kuti mabhangi mazhinji abude munyika yedu nekuda kwekuti anotya kusabudirira kwemabhizimusi avo uye anotyawo kupiwa mirango neAmerica akaramba achiita zvemabhizimusi neZimbabwe. Izvi ndizvowo zviri kufungidzirwa nezviitiko chaizvo zviri kukuvadza nyika yeZimbabwe nehupfumi hwayo Ambassador. Imi munotii nazvo?

Ambassador Nichols: Nyaya Kudzikisira mukana wakakura wekupinda panjodzi chinhu chiri kuitwa nenyika dzepasi rose.  Zvakatanga kubva munjodzi yakaitika ku America muna 2001.  Nyaya dzekuda kuziva waunodydzana naye dzakawedzera pasi rose, pane nyika zvinji dzakatangawo chirongwa ichi.  Asi ndinofunga kuti kana tichida kuona apo Zimbabwe ingakwanise kuzvibatsira nechirongwa ichi chekudzikisira mukana wakakura wekupinda munjodzi, pane shanduko zhinji idzo ve Financial Intelligent Unit neve Financial Action Task Force vari kushanda vari mu Zimbabwe nepasi rose dziri kutaura pamusoro peshanduko iri kufanira kuitwa ne Zimbabwe panyaya dzekuva nejekerere pane mari nezveupfumi hwenyika.  Rimwe damubudziko guru semufananidzo nderekuti nyaya dzemafambisirwo ezvikwereti kune vari kutadza kuzvibhadhara vachipihwa zvimwe kubudikidza nebhanga renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, bhanga renyika richizvitendera risina kunyatsoongorora mafimbisirwo ezvikwereti zvakaita saizvozvo, kuenderera mberi kwehuori kune mamwe mabhanga maduku anofanira kunge achipihwa mari kana rubatsiro zvinobvisa chivimbo munezvemari takatarisana nenyaya huru iri kuitwa nenyika dzepasi rose kusanganisira yekudzikisira mukana wakakura wekupinda munjodzi neyekuziva vakanaka vaunodyidzana navo.  Nyika dzakaita se Nigeria ne Saudi Arabia dzakashandawo chaizvo pane zvekuderedza njodzi.  Dambudziko rine Zimbabwe senyika duku pane zveupfumi hwayo hunosvika $26 billion iine vanhu vari pakati pe gumi neshanu negumi nenhanhatu dzema million.  Zvino kana pasina matanho kwawo anopa jekerere, kuwana rubatsiro nezvimwe zvingabatsire pamafambisirwe ezvemari nekushandidzana nedzimwe nyika zvinoti netsei kana pachine matambudziko.  Saka ndinofunga kuti hurumende yeZimbabwe ndiyo ine mhinduro maererano nekugona kwavo kugadzirisa zvinhu.

Trevor Ncube: Ngatipfuurirei mberi kunyaya yehutungamiri hwava Trump nechido chavo chemuAfrica, nenzvimbo dzese muAfrica.  Vachangotanga zviri pamutemo chirongwa che Better Utilisation of Investments Leading to Development, inonzi iyo BUILD Act iri kutoshanda ikozvino. Tichazoona here zvimwe zvirongwa zveupfumi huchiitwa neAmerica muAfrica kune nzvimbo idzo dzinofarirwa kana kudiwa kupinda dzimwe, ndizvo here zvichaitika?

Ambassador Nichols: Ndinofunga kuti inawo mukana wekubudirira, uye ndange ndichisekerera pawanga uchitaura zita racho rose rehurongwa uhu, ndinoona hangu kungwara kunoita vanhu mukutsvaga zvitsigiro nemazwi ekuzadzisa zita iri.  Asi tinofunga kuti idanho rakanaka rinounza kutengeserana kutsva kunokosha mabhirioni makumi matanhatu nekuti hazvisi pamusika, Kusimudzira nhengo dzose dzinounza hupfumi nebudiriro dzinobva kuhurumende yeku America dziri pamwechete kuitira kuti tipe zvekushandisa zvakakwana kumabhizimusi eku America ari kutsvaga mubatanidzwa neukama pasi rose.

Trevor Ncube: Mungaite ruzivo kuti zvichaitirwa kupi, pane nyika dzati dzasarunzwa kare here?

Ambassador Nichols: Ndiko kunaka kwemitemo yedu zvinova zvichaitwa kuburikidza nemisika yekutengeserana ne makambani akazvimiririra.  Tinoda kunyatsoona kuti hurongwa uhu hunotsigira zvinangwa zvedu zvekunatsurudza nekukwiridzira nyika dzatinofambidzana nadzo. Asi zvichange zviri kune nyika yakazvipira kuda kushanda nesu mukutsvaga kwokutengesera, tounza zvinhu zvinenge zvichitaridza kuti zvinokwanisika here kuwana kwekutengesera, uye kana kuine vanoda kuita hurongwa hwezveupfumi uhu vagowanawo rusimbiso; izvi zvinhu zvakakosha kwazvokunyanya munyika dzinenge Zimbabwe dzinokwanisa kuitawo dambudziko rekuwana mari yekune dzimwe nyika. Ichi ndicho chimwe chezvinhu chinokwanisa kuunzwa nechirongwa ichi. 

Trevor Ncube: Saka Zimbabwe inokwanisawo here kuzowana mukana wekuva muchirongwa ichi?

Ambassador Nichols: Hongu, ndinofunga kudaro zvakanyanya.  Asi panofanira kuva neurongwa hunenge hwabvumiranwa sezvandambotaura, ndakashanyirwa neboka reFortune 500 muno, vachitsvaga ukama hwekuita mabhizimusi.  Kusati kwauya chirongwa che BUILD neve US International Development Finance Corporation kunewo mamwe mapoka emakambani agara ari kuita mabhizimusi muno muZimbabwe ndirowo donzo re BUILD, sechirongwa che Overseas Private Investment Corporation chinobatsirana namabhizimusi akazvimirira oga muno muZimbabwe.  Naizvozvo hapana kana chikonzero chingaite izvozvo zvichinje, asi vanhu vari kuona mukana kuunza izvozvo ku U.S. International Development Finance Corporation kuwana rubatsiro nezvirongwa zvakasiyana siyana zvavainazvo zvichizozadziswa, naizvozvo tinovimba izvozvo zvichaitawo kuti mabhizimusi eku America ave anogamuchirwa pasi rose uye Africa idunhu rinoyemurika zvikuru pasi rose uye Zimbabwe ine mamwe mapazi anoyemurika zvikuru.

Trevor Ncube: Ndeapi mapazi amunoreva?

Ambassador Nichols: Ngatitangei neayo anofambisa nekukurumidza.  Maindasitiri anoita nezvezvicherwa, nokuda kwemitemo iyo hurumende yakagadza inechekuita nemashandisirwo emari yokunze, vanhu vakawanda vari mumaindasitiri aya vari kusiya zvicherwa zvakawanda zviri muvhu.  Dai vaikwanisa kutora zvicherwa zvese kubva pasi, vanokwidziridzawo zvicherwa zvavo, tiri kuonawo kutangwa kwehurongwa hwezvicherwa zvitsva asi ndinofunga kuti kunokwanisa kuva nezvakawanda kudarika izvi zvinogona kuitika.  Rimwe bazi ndere kushanya nekushanyirwa, iro rakaita kuti mukufamba kwegore pave nevashanyi vaibva kuAmerica vanosvika zvuuru mazana mairi, pachivavo nevanosvika zviuru zvisere pazuva rega rega.  Iri bazi iri rinekukwiridzira kwakanyanya.  Mune nzvimbo muno dzirikubhadharisa vashanyi mari iri pakati pemazana mashanu nezviuru zviviri pahusiku humwechete.  Iyi imari yakawandisisa uye inokwanisa kukura.  Tichitaura nezvekukura, munyaya dzezvirimwa Zimbabwe yaiva iyo yaipawo chikafu kuSouthern Africa mune imwe nguva pakwakaita nzara yaiendesawo maruva, muriwo, michero, zvirimwa, nyama yemombe neyenguruve.

Trevor Ncube: Saka nhau yekuti mune zvirango zvakapiwa Zimbabwe hazvisi kuzokanganisa mukana wekuwanawo mari kwemakambani aya, ndizvo here zvamuri kutaura? 

Ambassador Nichols: Aiwa. Kwete ba.

Trevor Ncube: Ngatiendererei mberi kune nyaya isina nguva yaitika yengoda dzinobva kuZimbabwe, nenhau yekuti handina mamwe mazwi ekushandisa ndichataura kuti akatorwa nevemutemo nechikonzero chekuti dzakacherwa nekumanikidzwa kwevanhuasika zvakarambwa kuti hakuna iko kumanikidzwa kushanda kwevanhu kuMarange.  Zvikonzero chaizvo zvakaita kuti ngoda idzi dzitorwe ndezvipi?

Ambassador Nichols: Ndine nhau dzakanaka Trevor dzekuti hakuna ngoda dzakatorwa. Chakaitika ndechekuti veU.S Customs ne Border Protection vakaita tsvagurudzo dzavo pasi rose vachinyanya kutarisana nenyaya yekumanikidzwa kushanda kwevanhu mumaindasitiri. Pakava nechiziviso cheWithhold Release Orders pazvinhu zvakawanda kubva kune nyika dzakasiyana-siyana pasi pose, dzinosvika shanu. Imwe yenyika idzi iZimbabwe uye ngoda dzayo dzekuMarange.

Nyaya yekumanikidzwa kushanda kwevanhu inyaya inoonekwa nenzira dzakasiyana siyana.  Vanhu vanopinda muhukama nemaboka aya ari Kuchera ngoda ku Marange zviri kunze kwemutemo, munoziva kuti kuMarange chaunongoda mugomo nefoshoro, imwe yeminda yengoda yakanakisisa.  Asi vanobhadhariswa kana kukwereteswa mari kuti vapihwe mvumo yekukwanisa kuchera munzvimbo iyi, vobva vapinda muhukama.  Munhu anopa mvumo anoti kuti ukwanise kunge uri pano ndinokubhadharisa mari yakati pazuva. Kana kuti vanogona kuti kana uchida kuti ndikupe mishina yekukubatsira kuchera unenge wave kundipa mari inosvika madhora mazana mairi, saka wave nechikwereti che $200   Saka munhu otadza kuzviburitsa muchikwereti ichocho.  Ndiko mumanikidzirwa kushanda kuri kutaurwa neve Customs ne Border Protection maererano neMarange.  Asi chokwadi ndechekuti maererano neve U.S. Census Bureau, kubva mugore ra 2016 hapana zvicherwa zvengoda zvemuZimbabwe zvati zvapinda ku Untited States.            

Trevor Ncube: Ngatiendererei zvedu mberi, France yava kusiira kana kuti yakatozviita hutungamiri hwe G7 ku America.  Paiva netarisiro yekuti France yaizonzwira Zimbabwe tsisi kuti ibatsirwe neG7, saka tarisiro iyoyo yavakudzima nekutorwa kwava kuitwa hutungamiri ihwohwo ne America.  Pane kufungidzira kuti mapato ose ari maviri ekuAmerica ma Democrats nema Republicans vanobatana nekukutsirana kuti vaone kuti chokwadi hutungamiri hwe G7 huri pasi pe America hauzobatsiri Zimbabwe, ichokwadi here ichi?

Ambassador Nichols:  Kwete.  Zvakataurwa na President Trump uye neWhite House ndezvekuti maererano nehutungamiri hweG7 uhu ndechekuti, chekutanga tiri kuda kutarisa kuti hutungamiriri uhu hunofanira kunyanya kubatsira nhengo dzayo nepasi rose, nekutarisirawo kutengeserana pasina muripo, nezvinhu zvinofadza vashandi veku America nevema bhizimusi.  Tinoona Africa iri nzvimbo inechivimbo kuhutungamiri hwe G7 asi tinodawo kudyara mbeu dzedu muvhu rakaorera saka nyika dzinofarira kusununguka, kunaka, kuvhura misika, nyika dzinofarira kuita shanduko inodiwa kuti dzigokwanisa kutengeserana nenyika dzekunze kuti kutengeserana kubidirire, ndidzo nyika dzatichatarisa munguva yatinenge tiine hutungamiriri hwe G7.

Trevor Ncube: Saka ngatidzokerei kunyaya yezvirango zveupfumi totarisawo kuti vanhu vari kufanira kunangwa nezvirango izvi hazvisi kuvarwadza, vanhu vari kurwadziwa nezvirango izvi munhu ari kufambawo zvake mumugwagwa uye iko zvino vanhu ivava vari kutambura, vanhu vari kufanira kunge vari kutambura nezvirango izvi, havasi kutambura.  Imwe nyaya yangu ndeyekuti zvirango izvi zvakatonyanya kunakira vanhu vazhinji vebato re ZANU PF, vari kutobatsirwa nazvo zvirango izvi asi vamwe vanhuwo hazvisi kuvabatsira.  Saka zvandiri kuedza kutaura ndezvekuti zvirango izvi zviri kutosimbisa ZANU PF zvichitambudza vamwe vanhuwo saka dai ma Americans vaifarira kodzero nekugara zvakanaka kwevanhu, zvirango zveupfumi izvi zvinofanira kubviswa kuti zvibatsirewo vamwe vanhuwo zvigokanganisawo vari kutonga.  Munotiiwo naizvozvo? 

Ambassador Nichols: Dai hurumende yeZimbabwe yainyatsonetsekana nenhau yezvirango, uye vachiona riri dambudziko, kunze kwekuratidzira, hurumende yeZimbabwe zvayaifanira kuita kugadzira chinyorwa chezvinhu zvairi kudiwa kuti iite nenyika dzekunze uye younza gakava rayo yekuti hongu zvinhu zvamaida kuti tiite takaita.

Mumisangano mizhinji yandakaita nemukuru wangu Ambassador Tibor Nagy avo vanova Assistant Secretary weState of African Affairs vakakumbira mukuru wenyika vaMnangagwa kuti vabvise POSA neAIPPA asi hapana chimwe cheizvi chakaitwa. MOPA yakaendeswa asika haisati yasayinwa uye AIPPA haina zvayati yaitirwa kuti ibviswe. Ndinoziva kuti kune vapenenguri vari kushanda vachizvitarisa asi izvi zvinhu kupfuura gore rapera muna Gunyana musi wa 18, zvakakumbirwa hurumende yeZimbabwe kuti iite nehurumende yangu uye ndizvoka zvakavimbiswa nemukuru wenyika paaiita kumbiriro dzake dzekuti asarudzwe musarudzo dzemukuru wenyika.

Idzi ishanduko dzine chekuita nebumbiro remitemo renyika ra 2013, rinova gwaro rakanaka kwazvo uye rinochengetedza zvizhinji zvinowiriranwa nevanhu.  Nhau zvekare yezvirikukonzereswa nematanhano akatorwa neyika dzekunze anorambidza, anosanganisira zvirango zveupfumi ari pamunhu ari pakati nepakati pakuwana muZimbabwe.  Vanhu nemakambani vanokwana zana nemakumi mana nerimwe varipo  vari kuzvinwa zvirango izvi uye vari kusangana nematambudziko zvechokwadi.  Kana zvisingavakanganisi zvachose zvichivafadza nekuvapfumisa, vangadai vasiri kucherechedza zuva rekuramba zvirango (Anti-sanctions Day) musi wa 25 Gumiguru, vangadai vari kuva nezuva rekutenda zvirango zuva iroro.

Trevor Ncube: Kuonesana.

Ambassador Nichols: Vanonzwa kunyara nezvazvo nekuti vanhu varikuti muri kuita izvi, munozivei, vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro pako, dzimwe nguva usaite zvakaipa.  Ndiwo mukana uwo hurumende iri kufanira kuratidza simba rayo nekugadzirisa remangwana.  Inogona kuita zvevandudzo zvayakatsidza nekunyatsokuzviita uyewo mukana wekugadzirisa ushamwari uchiripo kubva kune hurumende yangu uye dzimwewo nyika dzekunze dzine hurongwa hwakafana nehwedu.  Tinoda kuti Zimbabwe ibudirire.  Tinewo chivimbo nehurumende ino.  Tarisai zvatakataura nezvatakaita kubva muwedzi wa Mbudzi muna 2017 kusvika pakapera sarudzo dzevatungamiriri, takapawo hurumende iyi mukana wekuita vandudzo.  Mumashure memhirizhonga yemuna Nyamavhuvhu musi wa 1, zviri pachena takaratidzawo kushushikana tikapawo mukana kudare retsvakurudzo raitungamirirwa nava Motlanthe (Motlanthe Commission) nguva yekushanda.  Takasanganawo nevakuru vakuru vehurumende tikaramba tichingovayeuchidza nekushushikana kwedu tikavakurudzira kuti vaenderere mberi neshanduko dzavakavimbisa vakati vachaita asi zviri kunonokesa.   Zvinangwa zvemutemo izvo mutungamiri wenyika akanga aisa kumberi hapana chati chaitwa.

Trevor Ncube:  Ambassador, kuri kunzi mapato eMDC ne ZANU PF auya kwamuri achiti iwo awirirana kuti zvirango hatichazvida, zvine zvazvingashandura here?

Ambassador Nichols: Hazvisi zvinhu zvingade mhinduro, mubvunzo nhando.  Hazvisi zvekungoti vanouya voti hatichadi zvirango.  Tinobvunza kuti makaitei kuti mukurudzirewo sarudzo dziri pachena, dzakaenzana uye dziri pajekerere?  Makaiteiwo nekugadziridza kodzero dzevanhu.  Makaitei maererano negwaro remaTribunal akatongwa mugore ra2007 maererano nezvatingati kugoverwa kweminda kwakaitwa nechibhubhubhu.  Makaitei nevanhu vakashaikwa avo vakataurwa nezvavo mumagwaro eZIDERA.  Makatora here matanho akakodzera kuti muzamewo kugadzirisa zvinhu zvatiri kushushikana nazvo.  Iyi ndiyo inozovawo mhinduro yedu.

Trevor Ncube: Regai ndikuverengerei mumwe mutsara kubva kune ve Economist Intelligence Unit.  Ndichataura chikonzero chaita kuti nditaure nyaya iyi, mutsara wacho unoti;” …tinovimba kuti kana mauto atanga kurwadziwa nezviitiko izvo, achakwanisawo kubvisa vaMnangagwa”.  Ndabvunza mubvunzo uyu nekuti pane vari kuburitsa pfungwa yekuti vanhu vari kunzwa semabhaudi ari kunyatsosungirirwa.  Uye nekuti vanhu vari kunzwa kurwadziwa nezviri kuitika uye vachasimuka.  Uyewo nekuti nerubatsiro rwemauto tinokwanisa kuva nekubvutwa kwesimba kwechokwadi uye kubvutwa kwemasimba kwakasimba.  Iyi ingava nyaya here ingashungurudza America?   Kutambudza America zvekuti ingatoti izvi zvinokwanisa kudzivirirwa.  Imi muri kuziva nezvazvo uye muri kuziva zvinofanira kuitwa kudzivirira izvi pane kuramba muchikuchidzira, ngatitsvagei nzira yekugadzirisa dambudziko riri muZimbabwe, iko zvino, zvinhu zvinombouya mupfungwa menyu here uye zvinombokutambudzaiwo here?

Ambassador Nichols: Handina chikonzero chekusagutsikana nekuvimbika kwemauto eZimbabwe. Zvechokwadi, mitemo yedu yenyika haitsigiri kubvutiranwa kwemasimba nekubvisana pachigaro uye izvi ndizvo zvandinoda kunyatsojekesa.  Asika panyaya dzekumbunyikidzwa kwevanhu vanorarama hupenyu hwepakati nepakati kusanganisisira mauto emachengeterwo enyika ndaona kuti kumbunyikidzwa uku kunobva pakushaya shanduko munyaya dzezvematongerwo enyika.  Kana hurumende ine mukana uye kana mukana iwoyo uri wekushandisa hupfumi hwaiinayo hwekubhadhara madhokotera, vadzidzisisi, masoja, mapurisa mihoro yavo kana kuti ikasarudza kushandisa hupfumi hwaiinayo kupa Sakunda Holdings nemutengo wavanoda wekuchinjanisa mari wavasingape vamwe, vosarudza kuita izvozvo vozopepuka vobvunzana kuti chii chakatora nzvimbo.

Vanoti tichambomisa kushanda kwemari dzavo dziri mumabhanga asi kwapera mazuva makumi vovapazve imwe mari. Iyi isarudzo iri kuitwa nehurumende.  Ndizvo zvinozokonzeresa kuti avo vanhu vari pakati vanzwe kumbunyikidzwa. Ukaona mutengo wechingwa uchikwira nezvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana mugore rimwe chete zvinoreva izvo kuti kunenge kuine kushandisa kusingakodzeri uye nehuori huri mukati .Izvi zvinokonzera kuti vaya vari pakati nepakati vanoti masoja, mapurisa , madhokotera, vadzidzisi , magweta, vatyairi vedzimotokari nevamwewo vandisina kudoma mazita vanzwe kunyanya kumbunyikidzwa kunorwadza uko sezvakarehwa ne World Food Program kuti chimwe chikamu chepakati chevanhu vese vemuno muZimbabwe havana kugadzikana pamusoro pezvekudya.

Mwaka wakaoma kudai wa 2019-2020, chitsotsi chakashata chemafambisirwo ezvekurima munyika muno uye nenzira yakafara yeupfumi irikuitika, ndinofunga kuti chirongwa che Transitional Stabilization hurumende chayakaisa pamberi, chirongwa chakanakisa chezveupfumi.  Nhasi kune chikwata chenyu chemuno chiri ku Washington, ndinoreva musi watiri kutorwa mifananidzo iyi kwete musi wazviri kubuda, vari kuWashington vari kusangana neve IMF, neve World Bank uye neve dzimwe nyika pasi rose vari kutaura pamusoro peurongwa hwezveshanduko.  Ndinoziva kuti mukutaura vachaziva kuti mune hurongwa hwakanakisa chose asi pachinyorwa chete asi hamusi kuzoita izvo munenge manyora sekunyora kwamunenge maita.  Zadzikisai urongwa uhu hwamunenge manyora pasi.

Trevor Ncube: Ambassador muri munhu anogara aine zvakawanda zvekuita, makambotorawo here nguva yekushanyira dzimwewo dzenzvimbo dzevashanyi dziri muno muZimbabwe.

Ambassador Nichols: Hongu ndakasvikako! Dzakanakisa kwazvo.

Trevor Ncube: Ndedzipi dzakakufadzai kwazvo?

Ambassador Nichols: Ndinofunga kuti nzvimbo yandakatanga kuenda iyo yakanyanya kundifadza iGreat Zimbabwe.Ini ndiri munhu anofarira zvidzidzo zvenhoroondo nezvidzidzo zvemapfupa nezvevanhu vaigara kare uye kushanyira Masvingo eZimbabwe nekukwanisa kupawo chipo che$400,000 kuti masvingo eZimbabwe adzoreredzwe paaive, rwakava rwendo rwakatifadza tose nemudzimai patakaendako.

Trevor Ncube: Imwe ndeipizve?

Ambassador Nichols: Ini apa ndichangotanga. Victoria Falls inoshamisa kwazvo uye semaziviro ako ndiyo imwe yezvishamiso zvinomwe zvepasi rose, chimwe chinhu ndakakwanisa kuenda nemhuri yangu kusanganisisra mukadzi nevanasikana vangu; takava nenguva yakanakisa kwazvo tiriko. Hwange pauzima inodadisa, takavewo nenguva inofadza chose ikoko. Manapools inoyevedza.  Ndakasvikawo ku Bumi Hills nekuBumi Hills yakanakisisa zvakare.

Trevor Ncube: Uye ndakaona mapikicha nemifananidzo enyu muchienda kuNyanga pane imwe nguva?

Ambassador Nichols: Hongu handina hangu kukwanisa kuzosvika kuNyanga. Ndaive ndiri kuChimanimani maererano nezverubatsiro rweCyclone Idai. Ndaivewo ndiri panzvimbo iyoyo ndichitarisa chirongwa chekubviswa kwezvimbambaira kuburikidza neNorwegian People’s Aid yatinobatsirana kubhadhara pamwechete nehurumende yeNorway kuti tikwanise kuita chirongwa chekubvisa zvimbambaira mune dzimwe nzvimbo dzenyika. Tinobatsirawo nemari kune Halo Trust mune dzimwe nzvimbo dzeZimbabwe. Ndisati ndasvika kuno handina kuzvicherechedza kuti muganhu weZimbabwe neMozambique ndiwo unoitwa zvezvicherwa neudzamu wakanyanya pasi rose. Basa racho rakaomarara kunyanya pakubvisa zvimbambaira saka ndakapfekawo mbatya dzekuzvidzivirira, ndakaendako nevanamazvikokota tichipishinura nekukambaira nekujunga nezvimiti.  Zvaifadza kuona basa ravaishanda, kuzvipira kwavakaita, unyanzvi hwavo uye nekuona kuti havana kukuvara kwenguva yakareba kwavanganetseke nekufunga kana kutya nezvakwo.

Trevor Ncube: Tinokutendai naizvozvo. Tinogarobvunza vaenzi vedu pachirongwa chino mabhuku avanoverenga. Ndinoziva kuti imi nemhuri yenyu muri kubatanidza muti wemhuri izvi zvinova zvakanakisa kwazvo, ndeapi mabhuku amuri kuverenga parizvino?

Ambassador Nichols: Bhuku randakapedza kuverenga rinonzi Two Weeks in November rakanyorwa naDouglas Rogers nezvenyika yeZimbabwe nemamwe mavhiki maviri muno, ibhuku rinofadza. Ndinoziva kuti kune amwe mabhuku akambonyorwa, mamwe arikutonyorwa uye achabuda anozarura iwo zvakadzama nhoroondo yenguva iyoyi yemuZimbabwe.  Zvakare ndichangowana bhuku idzva raPetina Gappah rinonzi Out of the Darkness, Shining Light; ndakatanga kuverenga nezvaDavid Livingstone nemafiro ake uye nezvezvizvarwa zveZimbabwe zvakashanda kuti muviri wake udzoserwe kuEngland.Unoziva , Petina Gappah inyanzvi mukunyora, igweta rineunyanzvi, inyanzvi mukushanda neruzhinji, ndiri kunakidzwa nazvo. Ndinovimba kuti arikunditeerera kuitira kuti azokwanisa kundisainira pabhuku randakatenga zvandakakumbira asi haasati azadzikisa.

Trevor Ncube: Inini ndiri kuverengawo bhuku iri uye ibhuku rinoshamisa mudzidziso yaro. Ambassador ndafara kwazvo kuva nemi pachirongwa chedu che In Conversation with Trevor.

Ambassador Nichols: Maita basa nekuva neni pano.

Trevor Ncube: Ndinokutendai zvikuru nenhaurirano iyi. 

Ambassador Nichols: Zvakanakisa.

Trevor Ncube: Maita basa zvikuru, mukomborerwe.